Acts 2

Kuuya kweMweya Mutsvene

1Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe. 2Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere. 3Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo. 4Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.

5Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga. 6Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake. 7Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here? 8Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo? 9VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia, 10neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha, 11VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari. 12Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii? 13Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira.

Mharidzo yaPetro

14Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu. 15Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva; 16asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti: 17Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope; 18uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita. 19Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi. 20Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya; 21zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa. 22Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene, 23iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya; 24iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo. 25Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. 26Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro. 27Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora. 28Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu. 29Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino. 30Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe, 31aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora. 32Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese. 33Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino. 34Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, 35kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. 36Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi.

37Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei? 38Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene. 39Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana. 40Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka. 41Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.

42Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero. 43Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori. 44Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe, 45ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo. 46Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena, 47vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.

Copyright information for Shona